Joel 3

Kutongwa kweNdudzi

1“Mumazuva iwayo, napanguva iyoyo,
kana ndichinge ndadzosa pfuma yeJudha neyeJerusarema,
2ndichaunganidza ndudzi dzose
ndigoenda nadzo kuMupata waJehoshafati.
Ipapo ndichavatonga
nokuda kwenhaka yangu, vanhu vangu vaIsraeri,
nokuti vakaparadzira vanhu vangu pakati pendudzi,
uye vakagovana nyika yangu.
3Vakakanda mijenya pamusoro pavanhu vangu,
vakatsinhanisa vakomana nezvifeve;
vakatengesa vanasikana kuti vagotenga waini
yokuti vanwe.
4“Zvino ndakakutadzirai chiiko, imi Tire neSidhoni, nemi matunhu ose eFiristia? Muri kundiripira chimwe chinhu chandakaita here? Zvino kana muchindiripira, ini ndichadzosera zvamakaita pamisoro yenyu chaiyo nokukurumidza chaizvo. 5Nokuti makatora sirivha negoridhe rangu, mukatakurawo midziyo yangu yakanakisisa mukandoiisa kutemberi dzenyu. 6Makatengesa vanhu veJudha neveJerusarema kuvaGiriki kuti muvaendese kure.

7“Tarirai, ini ndichavamutsa kubva kunzvimbo dzamakavatengesera, uye ndichadzosera pamisoro yenyu chaiyo zvamakaita. 8Ndichatengesa vanakomana navanasikana venyu kuvanhu veJudha, uye vachavatengesa kuvaShebha, rudzi rwuri kure.” Jehovha ataura.

9Paridzirai izvi kundudzi dzose:
Gadzirirai hondo!
Mutsai varwi!
Varwi vose ngavaswedere pedyo varwise.
10Pfurai mapadza enyu muaite minondo,
uye mapanga okuchekerera miti muaite mapfumo.
Asina simba ngaati, “Ndine simba!”
11Uyai nokukurumidza, imi ndudzi dzose, kubva kumativi ose
mugoungana ipapo.

Haiwa Jehovha, burutsai varwi venyu.

12“Ndudzi dzose ngadzimutswe;
ngadziende kuMupata waJehoshafati,
nokuti ipapo ndipo pandichagara pasi
kuti nditonge ndudzi dzose kumativi ose enyika.
13Shandisai jeko,
nokuti gohwo raibva.
Uyai musvine mazambiringa netsoka dzenyu,
nokuti chisviniro chazara,
uye zvirongo zvopfachukira,
uku ndiko kukura kwakaita kuipa kwavo.”

14Vazhinji zhinji, vazhinji zhinji,
vari mumupata wokutonga.
Nokuti zuva raJehovha rava pedyo
mumupata wokutonga.
15Zuva nomwedzi zvichasviba
uye nyeredzi dzichadzima.
16Jehovha achaomba paZioni,
uye achatinhira ari muJerusarema;
denga nenyika zvichadedera.
Asi Jehovha achava utiziro hwavanhu vake,
nhare yavanhu veIsraeri.

Maropafadzo aVanhu vaMwari

17“Ipapo muchaziva kuti ini Jehovha Mwari wenyu,
ndinogara muZioni, gomo rangu dzvene.
Jerusarema richava dzvene;
vatorwa havachazorirwisazve.

18“Pazuva iroro makomo achachururuka waini itsva,
uye zvikomo zvichaerera mukaka;
hova dzose dzomuJudha dzichaerera mvura.
Chitubu chichaerera chichibva muimba yaJehovha,
uye chichadiridzira mupata wemiti yemiunga.
19Asi Ijipiti ichava dongo,
Edhomu ichava gwenga risina basa,
nokuda kwokurwiswa kwakaitwa vanhu veJudha,
vakateura ropa risina mhosva munyika yavo.
20MuJudha muchagara vanhu nokusingaperi,
uye nomuJerusarema kusvikira kuzvizvarwa zvose.
21Mhosva yavo yeropa yandisina kuregerera,
ndichairegerera,
nokuti Jehovha anogara muZioni.”
Copyright information for SnaBDSC